Zvemahara. Hurongwa neZviverengwa zveKuzvipira maringe neJohani 4
![Evhangeri yaJohwani](/_next/image?url=https%3A%2F%2F%2F%2Fimageproxy.youversionapi.com%2Fhttps%3A%2F%2Fs3.amazonaws.com%2Fyvplans%2F48139%2F640x360.jpg&w=1920&q=75)
Evhangeri yaJohwani
21 Mazuva
Muchirongwa chechitsauko chino chezuva nezuva, uchasangana naMwari Samasimba – Musiki wezvose – muchimiro chemunhu, akazvarwa kuti aunze ruponeso kumunhu wese, kwese kwese. Johwani anorondedzera zvishamiso, dzidziso, uye kusangana kwemazuva ose kweshamwari yake yepedyo neMuponesi, Jesu. Unokokwa kuti utevere Jesu zvakare, uye ugamuchire chipo Chake chehupenyu husingaperi. Chirongwa chino chakagadzirwa neYouVersion.
![Ngativerengei Bhaibheri Pamwe Chete (Gumiguru)](/_next/image?url=https%3A%2F%2F%2F%2Fimageproxy.youversionapi.com%2Fhttps%3A%2F%2Fs3.amazonaws.com%2Fyvplans%2F1059%2F640x360.jpg&w=1920&q=75)
Ngativerengei Bhaibheri Pamwe Chete (Gumiguru)
Mazuva makumi matatu nerimwe
Chidimbu chegumi chezvidimbu gumi nembiri, chirongwa ichi chinotungamira misha kufamba neBhaibheri rese mumazuva mazana matatu nemakumi nhanhatu neshanu. Koka vamwe vabatanewo newe pese pawatanga chirongwa chitsva kutanga kwemwedzi wega-wega. Iyi mitserendende yezvirongwa inoshanda zvakanaka neBhaibheri rekuverengerwa-teerera munguva shoma inosvika mamineti makumi nembiri pazuva! Chidimbu chega-chega chinosanganisira zvitsauko zveTestamende Yekare neItsva, neMapisarema akaparadzirwa kwese. Chikamu chegumi chine mabhuku anoti Muparidzi, Johani, Jeremia, neKuungudza kwaJeremia.