Zvemahara. Hurongwa neZviverengwa zveKuzvipira maringe neVaEfeso 6:12
Murwi Wechikristu
3 Mazuva
Satani anofara kana tichipomera vanhu kana mapoka avo pakukonzera kupesana pakati pehama. Iye haadi kuzikanwa kuitira kuti arambe achiita mabasa ake erima asingabatwi. Nzira dzaanoshandisa ndidzo dambudziko kuvanhu. Muchinyorwa ichi, tinoona pachena kuti hausi urongwa hwenyika chete unokonzera matambudziko, asi masimba emadhimoni. Nokudaro panoda kurwisa kukuru pahondo yemweya yakadai.
Jesu: Mureza Wedu Wekukunda
Mazuva Manomwe
Patinopembera Easter, tinopembera kukunda kukuru munhoroondo yese yevanhu panyika. Kuburikidza nokufa kwaJesu nokumuka kwake kuvakafa, Akakunda zvachose simba rechivi nerufu, nezvose zvinounzwa nezvinhu izvi, uye akasarudza kugoverana kukunda uku nesu. Vhiki iri re Easter, ngatitarise dzimwe nhare dzaAkakunda, tiongorore kurwa kwaakatirwira, nokumurumbidza seMureza wedu Wekukunda.
Kutenda
Mazuva gumi nemaviri
Kuona kutenda here? Kana kutenda kuona here? Iyi mibvunzo yekutenda.Chirongwa ichi chinokupai chidzidzo chekutenda chakadzika - kubva muTestamende yekare nyaya dzevanhu vemachokwadi avo vakaratidza kuve nehushingu mukutenda kwavo panguva dzakange dzakaomesesa mumamiriro edzidziso dzaJesu panyaya iyi.Nokuverenga kwako,uchakurudzirwa kuti udzikise hukama hwako naMwari uye kuti uzove munhu akatendeka chaizvo anotevera Jesu.