1
Genesisi 2:24
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
Nokuda kwechikonzero ichi, murume achasiya baba namai vake agonamatira kumukadzi wake, uye vachava nyama imwe.
Compare
Explore Genesisi 2:24
2
Genesisi 2:18
Jehovha Mwari akati, “Hazvina kunaka kuti munhu agare ari oga. Ndichamuitira mubatsiri akamukwanira.”
Explore Genesisi 2:18
3
Genesisi 2:7
Jehovha Mwari akaumba munhu kubva paguruva revhu uye akafemera mweya woupenyu mumhino dzake, uye munhu akava mupenyu.
Explore Genesisi 2:7
4
Genesisi 2:23
Murume akati, “Zvino uyu ibvupa ramapfupa angu nenyama yenyama yangu; achanzi ‘mukadzi’, nokuti akatorwa kubva pamurume.”
Explore Genesisi 2:23
5
Genesisi 2:3
Uye Mwari akaropafadza zuva rechinomwe akariita dzvene nokuti pazuva iro akazorora pabasa rose rokusika raakanga aita.
Explore Genesisi 2:3
6
Genesisi 2:25
Murume nomukadzi wake vakanga vasina kusimira vose, uye havana kutongonyara.
Explore Genesisi 2:25
YouVersion ඔබේ අත්දැකීම පෞද්ගලීකරණය කිරීමට කුකීස් භාවිතා කරයි. අපගේ වෙබ් අඩවිය භාවිතා කිරීම මගින්, අපගේ රහස්යතා ප්රතිපත්තිහි විස්තර කර ඇති පරිදි අපගේ කුකීස් භාවිතයට ඔබ එකඟ වේ
Home
Bible
Plans
Videos