1
Mavambo 42:21
Bhaibhiri Idzva rechiShona
Vakataurirana pachavo vachiti, “Mazvionaka! Isu takapara mhaka pamusana pomunun'una wedu wataiona achitambudzika achiteterera isu tikarega kuita hanya naye. Saka nhasi uno zvatiwirawo.”
සසඳන්න
Mavambo 42:21 ගවේෂණය කරන්න
2
Mavambo 42:6
Josefi aiva changamire munyika yeIjipiti. Ndiye aitengesera vanhu vose venyika iyoyo zvokudya. Vakoma vaJosefi vakasvikomugwadamira uso vakati pasi kota kota vachimuremekedza.
Mavambo 42:6 ගවේෂණය කරන්න
3
Mavambo 42:7
Josefi akaona vakoma vake akavaziva, asi akavabata sevatorwa akataura navo achivajinyura achiti, “Mabva kupiko?” Ivo vakati, “Tabva kunyika yeKanani, tauya kuzotenga zvokudya.”
Mavambo 42:7 ගවේෂණය කරන්න
නිවස
බයිබලය
සැලසුම්
වීඩියෝ