1
Genesisi 15:6
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
Abhurama akatenda Jehovha, uye iye akamuti ndiko kururama kwake.
Compare
Genesisi 15:6ਪੜਚੋਲ ਕਰੋ
2
Genesisi 15:1
Shure kwaizvozvo shoko raJehovha rakasvika kuna Abhurama muchiratidzo richiti: “Usatya, Abhurama. Ndiri nhoo yako, mubayiro wako mukuru chaizvo.”
Genesisi 15:1ਪੜਚੋਲ ਕਰੋ
3
Genesisi 15:5
Akamutora akamubudisa panze akati, “Tarisa kumusoro kumatenga uye uverenge nyeredzi uone zvirokwazvo kana ukakwanisa kudziverenga.” Ipapo akati kwaari, “Ndizvo zvichaita vana vako.”
Genesisi 15:5ਪੜਚੋਲ ਕਰੋ
4
Genesisi 15:4
Ipapo shoko raJehovha rakasvika kwaari richiti, “Murume uyu haangavi mudyi wenhaka yako, asi mwanakomana anobva mumuviri wako ndiye achava mudyi wenhaka yako.”
Genesisi 15:4ਪੜਚੋਲ ਕਰੋ
5
Genesisi 15:13
Ipapo Jehovha akati kwaari, “Uzive zvirokwazvo kuti zvizvarwa zvako zvichava vatorwa munyika isati iri yavo, uye vachabatwa senhapwa uye vachibatwa zvakaipa kwamakore mazana mana.
Genesisi 15:13ਪੜਚੋਲ ਕਰੋ
6
Genesisi 15:2
Asi Abhurama akati, “Haiwa Ishe Jehovha, muchandipeiko sezvo ndisina mwana uye Eriezeri weDhamasiko ndiye achava mudyi wenhaka yangu here?”
Genesisi 15:2ਪੜਚੋਲ ਕਰੋ
7
Genesisi 15:18
Pazuva iro, Jehovha akaita sungano naAbhurama akati, “Nyika iyi ndinoipa kuzvizvarwa zvako, kubva kurwizi rweIjipiti kusvikira kurwizi rukuru, Yufuratesi
Genesisi 15:18ਪੜਚੋਲ ਕਰੋ
8
Genesisi 15:16
Parudzi rwechina, zvizvarwa zvako zvichadzoka pano, nokuti chivi chavaAmori hachisati chasvika pakuzara kwacho.”
Genesisi 15:16ਪੜਚੋਲ ਕਰੋ
Home
ਬਾਈਬਲ
Plans
ਵੀਡੀਓ