1
Genesisi 13:15
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
Nyika yose yauri kuona ndichakupa iwe navana vako nokusingaperi.
Compare
Genesisi 13:15ਪੜਚੋਲ ਕਰੋ
2
Genesisi 13:14
Jehovha akati kuna Abhurama shure kwokubva kwaRoti, “Simudza meso ako uri pauri ipapo uye utarire kumusoro nezasi, kumabvazuva nokumavirira.
Genesisi 13:14ਪੜਚੋਲ ਕਰੋ
3
Genesisi 13:16
Ndichaita kuti vana vako vave seguruva renyika, zvokuti kana pano munhu angagona kuverenga guruva, naizvozvo vana vako vachagona kuverengwawo.
Genesisi 13:16ਪੜਚੋਲ ਕਰੋ
4
Genesisi 13:8
Saka Abhurama akati kuna Roti, “Ngaparege kuva negakava pakati pako neni, kana pakati pavafudzi vako nevangu, nokuti tiri hama.
Genesisi 13:8ਪੜਚੋਲ ਕਰੋ
5
Genesisi 13:18
Saka Abhurama akabvisa matende ake uye akandogara pedyo nemiti mikuru yeMamure paHebhuroni, uye akavakira Jehovha aritari ipapo.
Genesisi 13:18ਪੜਚੋਲ ਕਰੋ
6
Genesisi 13:10
Roti akatarira kumusoro akaona bani rose reJorodhani kuti rakanga rakanyatsonyorova, sebindu raJehovha, kufanana nenyika yeIjipiti, kwakanangana neZoari. (Panguva iyi Jehovha akanga achigere kuparadza Sodhomu neGomora.)
Genesisi 13:10ਪੜਚੋਲ ਕਰੋ
Home
ਬਾਈਬਲ
Plans
ਵੀਡੀਓ