1
Mavambo 12:2-3
Bhaibhiri Idzva rechiShona
Ndichakuita rudzi rukuru, ndichakukomborera. Ndichaita kuti zita rako rikurumbire, iwe uchiva chikomborero. Ndichakomborera vanokumborera. Vanoti uwirwe norushambwa, ndichivapinza murushambwa. Ndudzi dzose dzichakomborerwa pamusana pako.”
Compare
Mavambo 12:2-3ਪੜਚੋਲ ਕਰੋ
2
Mavambo 12:1
Tenzi akataurira Abhuramu kuti, “Chibva munyika mako, ubve mukati mehama dzako, usiye musha wababa vako utamire kunyika yandichakuratidza.
Mavambo 12:1ਪੜਚੋਲ ਕਰੋ
3
Mavambo 12:4
Saizvozvo Abhuramu akasimuka akaenda sokuudzwa kwaakaitwa naTenzi. Roti akaendawo naye. Abhuramu akanga ava namakumi manomwe amakore ana makore mashanu paakatama kuHarani.
Mavambo 12:4ਪੜਚੋਲ ਕਰੋ
4
Mavambo 12:7
Tenzi akazozviratidza kuna Abhuramu akati, “Ndichapa nyika ino kuzvizvarwa zvako.” Naizvozvo akavakira atari Tenzi akanga azviratidza kwaari.
Mavambo 12:7ਪੜਚੋਲ ਕਰੋ
Home
ਬਾਈਬਲ
Plans
ਵੀਡੀਓ