1
Johane 3:16
Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti Mŋari wakaɗa nyika nokuɗaro, kuti wakapa Mŋanakomana wake wakaɓerekwa mumŋe woga, kuti aninani unotenda kwaari, arege kufa, asi aʋe noʋupenyu bgusiŋgaperi.
Спореди
Истражи Johane 3:16
2
Johane 3:17
Nokuti Mŋari haana‐kutumira Mŋanakomana wake panyika, kuti atoŋge nyika, asi kuti nyika iponeswe naye.
Истражи Johane 3:17
3
Johane 3:3
Jesu akapindura, akati kwaari: Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwauri: Kana munhu asiŋgaɓerekwi kutȿa, haaŋgaʋoni ʋushe bgaMŋari.
Истражи Johane 3:3
4
Johane 3:18
Unotenda kwaari, haatoŋgwi; asi usiŋgatendi kwaari, watotoŋgwa, nokuti haana‐kutenda kuzita roMŋanakomana waMŋari wakaɓerekwa mumŋe woga.
Истражи Johane 3:18
5
Johane 3:19
Kutoŋgwa ndokuku, kuti ciedza cakaȿika panyika, asi ʋanhu ʋakaɗa rima kupfuʋura ciedza, nokuti maɓasa aʋo akaŋga akaipa.
Истражи Johane 3:19
6
Johane 3:30
Iye unofanira kukura, asi ini ndinofanira kuɗukupiswa.
Истражи Johane 3:30
7
Johane 3:20
Nokuti mumŋe nomumŋe, unoita ɀakaipa, unoʋeŋga ciedza, haaʋuyi paciedza, kuti maɓasa ake arege kuɓuɗiswa pacena.
Истражи Johane 3:20
8
Johane 3:36
Unotenda kuMŋanakomana, unoʋupenyu bgusiŋgaperi; asi usiŋgatereri Mŋanakomana, haaŋgaʋoni ʋupenyu, asi kutsamŋa kwaMŋari kunogara pamsoro pake.
Истражи Johane 3:36
9
Johane 3:14
Mosesi seɀaakasimudza nyoka murenje, saiɀoɀo Mŋanakomana womunhu unofanira kusimudzwa ʋo
Истражи Johane 3:14
10
Johane 3:35
Ƃaɓa ʋanoɗa Mŋanakomana, ʋakamupa ɀose muruʋoko rwake.
Истражи Johane 3:35
Дома
Библија
Планови
Видеа