1
Genesi 9:12-13
Shona BIBLE
Ipapo Mwari akati, “Ndicho chiratidzo chesungano yandinoita pakati pangu nemi nezvipenyu zvose zvinemi kusvikira kumarudzi asingaperi. Ndinoisa muraraungu wangu mugore, kuti chive chiratidzo chesungano pakati pangu nenyika.
Palyginti
Naršyti Genesi 9:12-13
2
Genesi 9:16
Muraraungu uchavapo mugore; ndichautarira, kuti ndirangarire sungano isingaperi pakati paMwari nezvipenyu zvose zvenyama zviri panyika.”
Naršyti Genesi 9:16
3
Genesi 9:6
Ani naani anoteura ropa romunhu, ropa rake richateurwawo nomunhu; nokuti Mwari akaita munhu nomufananidzo wake.
Naršyti Genesi 9:6
4
Genesi 9:1
Zvino Mwari akaropafadza Nowa navanakomana vake, akati kwavari, “Berekai, muwande, muzadze nyika.
Naršyti Genesi 9:1
5
Genesi 9:3
Zvose zvinofamba zvipenyu zvichava zvokudya zvenyu; ndinokupai zvose, sezvandakakupai miriwo mitema.
Naršyti Genesi 9:3
6
Genesi 9:2
Mhuka dzose dzenyika, neshiri dzose dzedenga, dzichakutyai nokukuvhundukai; zvose zvinokambaira pasi, nehove dzose dzegungwa, zvinoiswa pamaoko enyu.
Naršyti Genesi 9:2
7
Genesi 9:7
As imi berekai, muwande, berekai zvikuru panyika, muwande mukati mayo.”
Naršyti Genesi 9:7
Pradžia
Biblija
Planai
Vaizdo įrašai