Ruka 7:21-22
Ruka 7:21-22 SUB
Nenguva iyo akaporesa vazhinji zvirwere zvavo, nohurwere, nemweya yakaipa; namapofu mazhinji akavasvinudza meso avo. Akapindura, akati kwavari, “Endai, mundoudza Johani zvamakaona nezvamakanzwa; zvokuti, mapofu anoona, vanokamhina vanofamba, vanamaperembudzi vanonatswa, vamatsi vanonzwa, vakafa vanomutswa, navarombo vanoparidzirwa Vhangeri.