Ruka 21:25-27
Ruka 21:25-27 SUB
“Zviratidzo zvichavapo pazuva napamwedzi, napanyenyedzi; napanyika hurombo hwavanhu, vachikanganiswa nokutinhira kwegungwa namafungu; vanhu vachapera nokutya nokutarira zvinowira nyika; nokuti masimba okudenga achadengenyeka. Ipapo vachaona Mwanakomana womunhu achiuya negore, nesimba nokubwinya kukuru.