1
Genesisi 32:28
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
Ipapo murume uya akati, “Zita rako harichazonzi Jakobho, asi Israeri, nokuti wakarwa naMwari uye nomunhu ukakunda.”
ತಾಳೆಮಾಡಿ
Genesisi 32:28 ಅನ್ವೇಷಿಸಿ
2
Genesisi 32:26
Ipapo murume uya akati, “Ndirege ndiende, nokuti utonga hwatsvuka.” Asi Jakobho akapindura akati, “Handingatongokuregei muchienda kusvikira mandiropafadza.”
Genesisi 32:26 ಅನ್ವೇಷಿಸಿ
3
Genesisi 32:24
Saka Jakobho akasara ari oga, uye mumwe murume akaita mutsimba naye kusvikira utonga hwatsvuka.
Genesisi 32:24 ಅನ್ವೇಷಿಸಿ
4
Genesisi 32:30
Saka Jakobho akatumidza nzvimbo iyo zita rokuti Penieri, akati, “Nokuti ndaona Mwari chiso nechiso, asi handina kufa.”
Genesisi 32:30 ಅನ್ವೇಷಿಸಿ
5
Genesisi 32:25
Murume uye paakaona kuti akanga asingagoni kumukunda, akabata pahudyu yaJakobho zvokuti hudyu yakashodogoka paakanga achiita mutsimba nomunhu uyu.
Genesisi 32:25 ಅನ್ವೇಷಿಸಿ
6
Genesisi 32:27
Murume uya akamubvunza akati, “Zita rako ndianiko?” Jakobho akapindura akati, “Jakobho.”
Genesisi 32:27 ಅನ್ವೇಷಿಸಿ
7
Genesisi 32:29
Jakobho akati, “Ndapota hangu, ndiudzei zita renyu.” Asi iye akapindura akati, “Seiko uchibvunza zita rangu?” Ipapo akamuropafadza.
Genesisi 32:29 ಅನ್ವೇಷಿಸಿ
8
Genesisi 32:10
ini handina kufanirwa nenyasha dzenyu dzose idzi uye nokutendeka kwamakaratidza muranda wenyu. Ndakanga ndichingova netsvimbo yangu bedzi pandakayambuka Jorodhani urwu, asi zvino ndava mapoka maviri.
Genesisi 32:10 ಅನ್ವೇಷಿಸಿ
9
Genesisi 32:32
Naizvozvo kusvikira zuva ranhasi vaIsraeri havadyi runda rakabatanidzwa nehudyu, nokuti hudyu yaJakobho yakanga yakuvadzwa pedyo nerunda.
Genesisi 32:32 ಅನ್ವೇಷಿಸಿ
10
Genesisi 32:9
Ipapo Jakobho akanyengetera akati, “Haiwa Mwari wababa vangu Abhurahama, Mwari wababa vangu Isaka, imi Jehovha makati kwandiri, ‘Dzokera kunyika yokwako nokuhama dzako, uye ndichaita kuti ubudirire,’
Genesisi 32:9 ಅನ್ವೇಷಿಸಿ
11
Genesisi 32:11
Ndinokumbira kuti mundiponese kubva muruoko rwomukoma wangu Esau, nokuti ndinotya kuti achasvika akandiuraya, uyewo madzimai aya navana vavo.
Genesisi 32:11 ಅನ್ವೇಷಿಸಿ
ಮುಖಪುಟ
ಬೈಬಲ್
ಯೋಜನೆಗಳು
ವೀಡಿಯೊಗಳು