1
Johane 4:24
Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
SUB1949
Mŋari ndiMŋeya; ʋanomunamata, ʋanofanira kumunamata mumŋeya neɀokwaɗi.
ತಾಳೆಮಾಡಿ
Johane 4:24 ಅನ್ವೇಷಿಸಿ
2
Johane 4:23
Asi ŋguʋa inoʋuya, naɀino yatoʋa’po, yokuti ʋanonamata neɀokwaɗi ʋacanamata Ƃaɓa mumŋeya neɀokwaɗi; nokuti Ƃaɓa ʋanotȿaka ʋakaɗaro kuzomunamata.
Johane 4:23 ಅನ್ವೇಷಿಸಿ
3
Johane 4:14
Asi aninani, unonwa mvura yandicamupa ini, haacazoʋi nenyota nokusiŋgaperi; asi mvura, yandicamupa, icaʋa mukati make tsime remvura, inovaira kuʋupenyu bgusiŋgaperi.
Johane 4:14 ಅನ್ವೇಷಿಸಿ
4
Johane 4:10
Jesu akapindura, akati kwaari: Ƌai waiziʋa cipo caMŋari, ʋuye kuti ndiani unoti kwauri, ndipei ʋo ndinwe, uŋgaɗai waikumbira kwaari, akakupa mvura mhenyu.
Johane 4:10 ಅನ್ವೇಷಿಸಿ
5
Johane 4:34
Jesu akati kwaʋari: Ɀokudya ɀaŋgu ndiɀo, kuti ndiite kuɗa kwowakandituma, nokupedza ɓasa rake.
Johane 4:34 ಅನ್ವೇಷಿಸಿ
6
Johane 4:11
Mukadzi akati kwaari: Ishe, hamuna‐camuŋgacera naco, tsime rakadzika, ɀino mvura mhenyu muŋgaiwanepiko?
Johane 4:11 ಅನ್ವೇಷಿಸಿ
7
Johane 4:25-26
Ɀino mukadzi akati kwaari: Ndinoziʋa kuti Mesiasi unoʋuya, unonzi Kristu; kana iye aȿika, ucatiʋudza ɀose. Jesu akati kwaari: Ini, ndinotaura newe, ndini iye.
Johane 4:25-26 ಅನ್ವೇಷಿಸಿ
8
Johane 4:29
Ʋuyai muʋone munhu, wakandiʋudza ɀose ɀandakaita. Ko uyu handiti ndiye Kristu here?
Johane 4:29 ಅನ್ವೇಷಿಸಿ
ಮುಖಪುಟ
ಬೈಬಲ್
ಯೋಜನೆಗಳು
ವೀಡಿಯೊಗಳು