1
Johani 3:16
Shona Bible 1949, revised 2002
Nokuti Mwari akada nyika nokudaro, kuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa mumwe woga, kuti ani naani anotenda kwaari, arege kufa, asi ave noupenyu husingaperi.
ប្រៀបធៀប
រុករក Johani 3:16
2
Johani 3:17
Nokuti Mwari haana kutumira Mwanakomana wake panyika, kuti atonge nyika, asi kuti nyika iponeswe naye.
រុករក Johani 3:17
3
Johani 3:3
Jesu akapindura, akati kwaari, “Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwauri, kana munhu asingaberekwi kutsva, haangaoni ushe hwaMwari.”
រុករក Johani 3:3
4
Johani 3:18
Anotenda kwaari, haatongwi; asi asingatendi kwaari, atotongwa, nokuti haana kutenda kuzita roMwanakomana waMwari akaberekwa mumwe woga.
រុករក Johani 3:18
5
Johani 3:19
Kutongwa ndokuku, kuti chiedza chakasvika panyika, asi vanhu vakada rima kupfuura chiedza, nokuti mabasa avo akanga akaipa.
រុករក Johani 3:19
6
Johani 3:30
Iye anofanira kukura, asi ini ndinofanira kudukupiswa.”
រុករក Johani 3:30
7
Johani 3:20
Nokuti mumwe nomumwe, anoita zvakaipa, anovenga chiedza, haauyi pachiedza, kuti mabasa ake arege kubudiswa pachena.
រុករក Johani 3:20
8
Johani 3:36
Anotenda Mwanakomana, ano upenyu husingaperi; asi asingatereri Mwanakomana, haangaoni upenyu, asi kutsamwa kwaMwari kunogara pamusoro pake.
រុករក Johani 3:36
9
Johani 3:14
Mosesi sezvaakasimudza nyoka murenje, saizvozvo Mwanakomana womunhu anofanira kusimudzwawo
រុករក Johani 3:14
10
Johani 3:35
Baba vanoda Mwanakomana, vakamupa zvose muruoko rwake.
រុករក Johani 3:35
ទំព័រដើម
ព្រះគម្ពីរ
គម្រោងអាន
វីដេអូ