1
Genesi 3:6
Shona BIBLE
Zvino mukadzi akati achiona kuti muti wakanaka kudyiwa, uye kuti unofadza meso, uye kuti muti unodikanwa kungwadza munhu, akatora muchero wawo, akadya, akapawo murume wake, akadya naiyewo.
比較
Genesi 3:6で検索
2
Genesi 3:1
Zvino nyoka yakanga ina mano kupfuura mhuka dzose dzesango dzakanga dzaitwa naJehovha Mwari. Ikati kumukadzi, “Nhai, ndizvo here kuti Mwari akati, ‘Regai kudya miti yose yomunda?’ ”
Genesi 3:1で検索
3
Genesi 3:15
Ndichaisa ruvengo pakati pako nomukadzi, napakati porudzi rwako norudzi rwake, irwo rwuchapwanya musoro wako, newe uchapwanya chitsitsinho charwo.”
Genesi 3:15で検索
4
Genesi 3:16
Kumukadzi akati, “Ndichawanza zvikuru kurwadziwa kwako nokutora mimba kwako, uchabereka vana uchirwadziwa; kuda kwako kuchava kumurume wako, iye achava ishe wako.”
Genesi 3:16で検索
5
Genesi 3:19
uchadya zvokudya zvako neziya rechiso chako kusvikira wadzokera kuvhu; nokuti wakatorwa kwariri. Zvauri guruva, uchadzokerazve kuguruva.’ ”
Genesi 3:19で検索
6
Genesi 3:17
Kumunhu akati, “Zvawakateerera izwi romukadzi wako, ukadya muti wandakakuraira ndichiti, ‘Usaudya, zvino nyika yatukwa nemhosva yako, uchadya zvibereko zvayo nokutambudzika mazuva ose oupenyu hwako
Genesi 3:17で検索
7
Genesi 3:11
Iye akati, “Ndianiko akakuudza kuti hauna kusimira? Wakadya kani muti wandakakuraira kuti urege kuudya?”
Genesi 3:11で検索
8
Genesi 3:24
Naizvozvo akadzinga munhu, akaisa makerubhi kurutivi rwamabvazuva rwomunda weEdheni, nomurazvo womunondo waimonereka kumativi ose, kurindira nzira yomuti woupenyu.
Genesi 3:24で検索
9
Genesi 3:20
Munhu akatumidza mukadzi wake zita rinonzi Evha; nokuti ndiye mai vavapenyu vose.
Genesi 3:20で検索
ホーム
聖書
読書プラン
ビデオ