1
Mavambo 3:6
Bhaibhiri Idzva rechiShona
Mukadzi akaona kuti muti wacho wakanaka kudya zve unoyevedza kutarisa uyewo kuti unogona kungwarisa munhu. Ipapo akabva atora muchero wawo akadya, akapawo murume wake akadyawo.
Bera saman
Njòttu Mavambo 3:6
2
Mavambo 3:1
Zvino nyoka yakanga yakasvinuka kupinda mhuka dzesango dzose dzakasikwa naMwari Tenzi. Nyoka yakati kumukadzi, “Ko ndizvo here kuti Mwari akati, ‘Regai kudya michero yemiti yose yomubindu muno?’ ”
Njòttu Mavambo 3:1
3
Mavambo 3:15
Ndichaisa ruvengo pakati pako nomukadzi napakati pechizvarwa chake nechizvarwa chako, chizvarwa chake chichapwanya musoro wako, iwe ucharuma chitsitsinho chake.”
Njòttu Mavambo 3:15
4
Mavambo 3:16
Kumukadzi, Mwari akati, “Ndichaita kuti urwadziwe chaizvo, paunenge wakatakura mimba napakusununguka vana. Uchagara wakapanga murume wako, iye ari wokukutonga.”
Njòttu Mavambo 3:16
5
Mavambo 3:19
Chokudya chako chichava chedikita kudzamara wadzokera muvhu, nokuti wakabva kuivhu, uri vhu, uchadzokerazve kuivhu.”
Njòttu Mavambo 3:19
6
Mavambo 3:17
Kuna Adhamu, Mwari akati, “Pamusana pokuti wateerera zvako mukadzi wako, ukadya muti wandakati usadye; nyika yapinda rushambwa pamusana pako, chokudya chako kuti uchiwanewo panyika, uchaita chokutamburira upenyu hwako hwose.
Njòttu Mavambo 3:17
7
Mavambo 3:11
Mwari akati, “Ndiani akakuudza kuti hauna kusimira? Wadyasu muti wandakati usadye?”
Njòttu Mavambo 3:11
8
Mavambo 3:24
Mwari akabva adzinga munhu, akaisa makerubhu kurutivi rwamabvazuva ebindu reEdheni, akaisawo bakatwa rainge murazvo womoto, raivheya kwose kwose kuchengetedza nzira yokumuti woupenyu.
Njòttu Mavambo 3:24
9
Mavambo 3:20
Adhamu akatumidza mudzimai wake zita rokuti Evha nokuti ndivo amai vavanhu vose.
Njòttu Mavambo 3:20
Heim
Biblía
Áætlanir
Myndbönd