1
Mavambo 1:26-27
Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika
Mwari akati, “Ngatiitei munhu akafanana nesu, akatodzana nesu. Ngavave noutongi hwenyika yose nohwehove dzomugungwa neshiri dzedenga nezvipfuwo nezvinokambaira nokuzvova napasi.” Mwari akasika munhu akamufananidza naiye pachake, akavasika vari munhurume nomunhukadzi.
Bera saman
Njòttu Mavambo 1:26-27
2
Mavambo 1:28
Mwari akavakomborera achiti, “Berekanai muwande, muzadze nyika, muitonge. Ivai noutongi pamusoro pehove dzomugungwa, neshiri dzedenga, nezvinhu zvose zvipenyu zvinofamba panyika.”
Njòttu Mavambo 1:28
3
Mavambo 1:1
Pakutanga Mwari akasika denga napasi.
Njòttu Mavambo 1:1
4
Mavambo 1:2
Pasi pakanga pasati panyatsoumbwa, pasina chinhu. Rima rakanga rakaputira zigungwa, Mweya waMwari achidzengerera pamusoro pemvura.
Njòttu Mavambo 1:2
5
Mavambo 1:3
Mwari akati, Mwari akati, “Chiedza ngachivepo,” chiedza chikavapo.
Njòttu Mavambo 1:3
6
Mavambo 1:31
Mwari akatarisa zvose zvaakanga aita, onei zvakanaka kwazvo. Kwakasviba kukaedza, iri rakava zuva rechitanhatu.
Njòttu Mavambo 1:31
7
Mavambo 1:4
Mwari akaona kuti chiedza chakanaka. Mwari akaparadzanisa chiedza nerima.
Njòttu Mavambo 1:4
8
Mavambo 1:29
Mwari akati, “Chionai, ndakupai zvinomera zvose zvine mhodzi dzazvo zviri panyika, nemiti inobereka michero ine mhodzi kuti zvive chokudya chenyu.
Njòttu Mavambo 1:29
9
Mavambo 1:5
Mwari akatumidza chiedza kuti masikati, rima akariti usiku. Kwakasviba kukaedza. Iri rakava zuva rokutanga.
Njòttu Mavambo 1:5
10
Mavambo 1:6
Mwari akati, “Pakati pemvura ngapave neziendanakuenda rinokamuranisa mvura.”
Njòttu Mavambo 1:6
11
Mavambo 1:30
Asi ndapa zvinomera zvinyoro kumhuka dzesango neshiri dzose dzedenga, nezvinokambaira nokuzvova napasi, nezvinhu zvipenyu zvose zvinofema kuti chive chokudya chazvo,” zvikabva zvaita saizvozvo.
Njòttu Mavambo 1:30
12
Mavambo 1:14
Mwari akati, “Muziendanakuenda romudenga ngamuve namavheneko okusiyanisa masikati nousiku ave okuratidza mwaka namazuva namakore.
Njòttu Mavambo 1:14
13
Mavambo 1:11
Mwari akati, “Nyika ngaimere zvinomera zvorudzi norudzi, zvinomera zvine mhodzi dzazvo, namarudzi emiti inobereka michero ine mhodzi panyika,” zvikabva zvaita saizvozvo.
Njòttu Mavambo 1:11
14
Mavambo 1:7
Mwari akabva aita ziendanakuenda riya ndokukamuranisa mvura yakanga iri pasi peziendanakuenda iroro neyaiva nechapamusoro paro, zvikabva zvaita saizvozvo.
Njòttu Mavambo 1:7
15
Mavambo 1:12
Nyika yakamera zvinomera zvorudzi norudzi, nezvinomera zvine mhodzi dzazvo, namarudzi namarudzi emiti inobereka michero ine mhodzi. Zvikabva zvaita saizvozvo. Mwari akaona kuti zvakanaka.
Njòttu Mavambo 1:12
16
Mavambo 1:16
Mwari akaita mazivheneko maviri kunoti, zivheneko guru rokutonga masikati, kozoti zivheneko duku rokutonga usiku, akaitawo nyenyedzi.
Njòttu Mavambo 1:16
17
Mavambo 1:9-10
Mwari akati, “Mvura iri pasi pedenga ngaiungane pamwechete kuti pasi pakaoma pabude pachena,” zvikabva zvaita saizvozvo. Mwari akatumidza pasi pakaoma kuti nyika. Mvura iya yakanga yaungana akaitumidza kuti makungwa. Mwari akaona kuti zvakanaka.
Njòttu Mavambo 1:9-10
18
Mavambo 1:22
Mwari akazvikomborera achiti, “Berekanai muwande muzadze mvura yomumakungwa. Shiri ngadziwandewo panyika.”
Njòttu Mavambo 1:22
19
Mavambo 1:24
Mwari akati, “Nyika ngaiburitse mhando nemhando dzezvinhu zvipenyu, mhando nemhando dzezvipfuwo, nedzezvinokambaira nokuzvova napasi, nedzemhuka dzesango,” zvikabva zvaita saizvozvo.
Njòttu Mavambo 1:24
20
Mavambo 1:20
Mwari akati, “Mumvura ngamuite bvakapfaka rezvinhu zvipenyu zvinoshambira. Shiriwo ngadzibhururuke pamusoro penyika nomudenga muziendanakuenda.”
Njòttu Mavambo 1:20
21
Mavambo 1:25
Mwari akasika mhando nemhando dzemhuka dziri panyika, nemhando dzose dzezvipfuwo nedzezvinokambaira nokuzvova napasi. Mwari akaona kuti zvakanaka.
Njòttu Mavambo 1:25
Heim
Biblía
Áætlanir
Myndbönd