1
Mavambo 3:6
Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika
Mukadzi akaona kuti muti wacho wakanaka kudya zve unoyevedza kutarisa uyewo kuti unogona kungwarisa munhu. Ipapo akabva atora muchero wawo akadya, akapawo murume wake akadyawo.
Konpare
Eksplore Mavambo 3:6
2
Mavambo 3:1
Zvino nyoka yakanga yakasvinuka kupinda mhuka dzesango dzose dzakasikwa naMwari Tenzi. Nyoka yakati kumukadzi, “Ko ndizvo here kuti Mwari akati, ‘Regai kudya michero yemiti yose yomubindu muno?’ ”
Eksplore Mavambo 3:1
3
Mavambo 3:15
Ndichaisa ruvengo pakati pako nomukadzi napakati pechizvarwa chake nechizvarwa chako, chizvarwa chake chichapwanya musoro wako, iwe ucharuma chitsitsinho chake.”
Eksplore Mavambo 3:15
4
Mavambo 3:16
Kumukadzi, Mwari akati, “Ndichaita kuti urwadziwe chaizvo, paunenge wakatakura mimba napakusununguka vana. Uchagara wakapanga murume wako, iye ari wokukutonga.”
Eksplore Mavambo 3:16
5
Mavambo 3:19
Chokudya chako chichava chedikita kudzamara wadzokera muvhu, nokuti wakabva kuivhu, uri vhu, uchadzokerazve kuivhu.”
Eksplore Mavambo 3:19
6
Mavambo 3:17
Kuna Adhamu, Mwari akati, “Pamusana pokuti wateerera zvako mukadzi wako, ukadya muti wandakati usadye; nyika yapinda rushambwa pamusana pako, chokudya chako kuti uchiwanewo panyika, uchaita chokutamburira upenyu hwako hwose.
Eksplore Mavambo 3:17
7
Mavambo 3:11
Mwari akati, “Ndiani akakuudza kuti hauna kusimira? Wadyasu muti wandakati usadye?”
Eksplore Mavambo 3:11
8
Mavambo 3:24
Mwari akabva adzinga munhu, akaisa makerubhu kurutivi rwamabvazuva ebindu reEdheni, akaisawo bakatwa rainge murazvo womoto, raivheya kwose kwose kuchengetedza nzira yokumuti woupenyu.
Eksplore Mavambo 3:24
9
Mavambo 3:20
Adhamu akatumidza mudzimai wake zita rokuti Evha nokuti ndivo amai vavanhu vose.
Eksplore Mavambo 3:20
Akèy
Bib
Plan yo
Videyo