1
Mavambo 1:26-27
Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika
Mwari akati, “Ngatiitei munhu akafanana nesu, akatodzana nesu. Ngavave noutongi hwenyika yose nohwehove dzomugungwa neshiri dzedenga nezvipfuwo nezvinokambaira nokuzvova napasi.” Mwari akasika munhu akamufananidza naiye pachake, akavasika vari munhurume nomunhukadzi.
השווה
חקרו Mavambo 1:26-27
2
Mavambo 1:28
Mwari akavakomborera achiti, “Berekanai muwande, muzadze nyika, muitonge. Ivai noutongi pamusoro pehove dzomugungwa, neshiri dzedenga, nezvinhu zvose zvipenyu zvinofamba panyika.”
חקרו Mavambo 1:28
3
Mavambo 1:1
Pakutanga Mwari akasika denga napasi.
חקרו Mavambo 1:1
4
Mavambo 1:2
Pasi pakanga pasati panyatsoumbwa, pasina chinhu. Rima rakanga rakaputira zigungwa, Mweya waMwari achidzengerera pamusoro pemvura.
חקרו Mavambo 1:2
5
Mavambo 1:3
Mwari akati, Mwari akati, “Chiedza ngachivepo,” chiedza chikavapo.
חקרו Mavambo 1:3
6
Mavambo 1:31
Mwari akatarisa zvose zvaakanga aita, onei zvakanaka kwazvo. Kwakasviba kukaedza, iri rakava zuva rechitanhatu.
חקרו Mavambo 1:31
7
Mavambo 1:4
Mwari akaona kuti chiedza chakanaka. Mwari akaparadzanisa chiedza nerima.
חקרו Mavambo 1:4
8
Mavambo 1:29
Mwari akati, “Chionai, ndakupai zvinomera zvose zvine mhodzi dzazvo zviri panyika, nemiti inobereka michero ine mhodzi kuti zvive chokudya chenyu.
חקרו Mavambo 1:29
9
Mavambo 1:5
Mwari akatumidza chiedza kuti masikati, rima akariti usiku. Kwakasviba kukaedza. Iri rakava zuva rokutanga.
חקרו Mavambo 1:5
10
Mavambo 1:6
Mwari akati, “Pakati pemvura ngapave neziendanakuenda rinokamuranisa mvura.”
חקרו Mavambo 1:6
11
Mavambo 1:30
Asi ndapa zvinomera zvinyoro kumhuka dzesango neshiri dzose dzedenga, nezvinokambaira nokuzvova napasi, nezvinhu zvipenyu zvose zvinofema kuti chive chokudya chazvo,” zvikabva zvaita saizvozvo.
חקרו Mavambo 1:30
12
Mavambo 1:14
Mwari akati, “Muziendanakuenda romudenga ngamuve namavheneko okusiyanisa masikati nousiku ave okuratidza mwaka namazuva namakore.
חקרו Mavambo 1:14
13
Mavambo 1:11
Mwari akati, “Nyika ngaimere zvinomera zvorudzi norudzi, zvinomera zvine mhodzi dzazvo, namarudzi emiti inobereka michero ine mhodzi panyika,” zvikabva zvaita saizvozvo.
חקרו Mavambo 1:11
14
Mavambo 1:7
Mwari akabva aita ziendanakuenda riya ndokukamuranisa mvura yakanga iri pasi peziendanakuenda iroro neyaiva nechapamusoro paro, zvikabva zvaita saizvozvo.
חקרו Mavambo 1:7
15
Mavambo 1:12
Nyika yakamera zvinomera zvorudzi norudzi, nezvinomera zvine mhodzi dzazvo, namarudzi namarudzi emiti inobereka michero ine mhodzi. Zvikabva zvaita saizvozvo. Mwari akaona kuti zvakanaka.
חקרו Mavambo 1:12
16
Mavambo 1:16
Mwari akaita mazivheneko maviri kunoti, zivheneko guru rokutonga masikati, kozoti zivheneko duku rokutonga usiku, akaitawo nyenyedzi.
חקרו Mavambo 1:16
17
Mavambo 1:9-10
Mwari akati, “Mvura iri pasi pedenga ngaiungane pamwechete kuti pasi pakaoma pabude pachena,” zvikabva zvaita saizvozvo. Mwari akatumidza pasi pakaoma kuti nyika. Mvura iya yakanga yaungana akaitumidza kuti makungwa. Mwari akaona kuti zvakanaka.
חקרו Mavambo 1:9-10
18
Mavambo 1:22
Mwari akazvikomborera achiti, “Berekanai muwande muzadze mvura yomumakungwa. Shiri ngadziwandewo panyika.”
חקרו Mavambo 1:22
19
Mavambo 1:24
Mwari akati, “Nyika ngaiburitse mhando nemhando dzezvinhu zvipenyu, mhando nemhando dzezvipfuwo, nedzezvinokambaira nokuzvova napasi, nedzemhuka dzesango,” zvikabva zvaita saizvozvo.
חקרו Mavambo 1:24
20
Mavambo 1:20
Mwari akati, “Mumvura ngamuite bvakapfaka rezvinhu zvipenyu zvinoshambira. Shiriwo ngadzibhururuke pamusoro penyika nomudenga muziendanakuenda.”
חקרו Mavambo 1:20
21
Mavambo 1:25
Mwari akasika mhando nemhando dzemhuka dziri panyika, nemhando dzose dzezvipfuwo nedzezvinokambaira nokuzvova napasi. Mwari akaona kuti zvakanaka.
חקרו Mavambo 1:25
בית
כתבי הקודש
תוכניות
קטעי וידאו