Genesisi 21:17-18
Genesisi 21:17-18 BDSC
Mwari akanzwa mukomana achichema, uye mutumwa waMwari akadana Hagari kubva kudenga akati kwaari, “Zvaita seiko Hagari? Usatya; Mwari anzwa kuchema kwomukomana paakavata apo. Simudza mukomana umubate noruoko, nokuti ndichamuita rudzi rukuru.”