1
Genesisi 18:14
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
Pane chinhu chakaoma kuna Jehovha here? Ndichadzokazve kwauri gore rinouya senguva dzakatarwa uye Sara achava nomwanakomana.”
Compare
Avasta Genesisi 18:14
2
Genesisi 18:12
Saka Sara akaseka mumwoyo make paakafunga achiti, “Ndichazovawo nomufaro uyu here zvino shure kwokuchembera kwangu, vatenzi vangu vakwegura?”
Avasta Genesisi 18:12
3
Genesisi 18:18
Zvirokwazvo Abhurahama achava rudzi rukuru rune simba, uye ndudzi dzose dzapanyika dzicharopafadzwa kubudikidza naye.
Avasta Genesisi 18:18
4
Genesisi 18:23-24
Ipapo Abhurahama akaswedera kwaari akati, “Ko, muchaparadza vakarurama pamwe chete navakaipa here? Ko, kana muguta mune vanhu makumi mashanu vakarurama? Muchariparadza zvechokwadi here mukasasiya nzvimbo iyo nokuda kwavanhu makumi mashanu varimo?
Avasta Genesisi 18:23-24
5
Genesisi 18:26
Jehovha akati, “Kana ndikawana vanhu vakarurama makumi mashanu vari muguta reSodhomu, ndichaponesa nzvimbo yose nokuda kwavo.”
Avasta Genesisi 18:26
Home
Bible
Plans
Videos