1
Mavambo 1:26-27
Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika
Mwari akati, “Ngatiitei munhu akafanana nesu, akatodzana nesu. Ngavave noutongi hwenyika yose nohwehove dzomugungwa neshiri dzedenga nezvipfuwo nezvinokambaira nokuzvova napasi.” Mwari akasika munhu akamufananidza naiye pachake, akavasika vari munhurume nomunhukadzi.
Compare
Avasta Mavambo 1:26-27
2
Mavambo 1:28
Mwari akavakomborera achiti, “Berekanai muwande, muzadze nyika, muitonge. Ivai noutongi pamusoro pehove dzomugungwa, neshiri dzedenga, nezvinhu zvose zvipenyu zvinofamba panyika.”
Avasta Mavambo 1:28
3
Mavambo 1:1
Pakutanga Mwari akasika denga napasi.
Avasta Mavambo 1:1
4
Mavambo 1:2
Pasi pakanga pasati panyatsoumbwa, pasina chinhu. Rima rakanga rakaputira zigungwa, Mweya waMwari achidzengerera pamusoro pemvura.
Avasta Mavambo 1:2
5
Mavambo 1:3
Mwari akati, Mwari akati, “Chiedza ngachivepo,” chiedza chikavapo.
Avasta Mavambo 1:3
6
Mavambo 1:31
Mwari akatarisa zvose zvaakanga aita, onei zvakanaka kwazvo. Kwakasviba kukaedza, iri rakava zuva rechitanhatu.
Avasta Mavambo 1:31
7
Mavambo 1:4
Mwari akaona kuti chiedza chakanaka. Mwari akaparadzanisa chiedza nerima.
Avasta Mavambo 1:4
8
Mavambo 1:29
Mwari akati, “Chionai, ndakupai zvinomera zvose zvine mhodzi dzazvo zviri panyika, nemiti inobereka michero ine mhodzi kuti zvive chokudya chenyu.
Avasta Mavambo 1:29
9
Mavambo 1:5
Mwari akatumidza chiedza kuti masikati, rima akariti usiku. Kwakasviba kukaedza. Iri rakava zuva rokutanga.
Avasta Mavambo 1:5
10
Mavambo 1:6
Mwari akati, “Pakati pemvura ngapave neziendanakuenda rinokamuranisa mvura.”
Avasta Mavambo 1:6
11
Mavambo 1:30
Asi ndapa zvinomera zvinyoro kumhuka dzesango neshiri dzose dzedenga, nezvinokambaira nokuzvova napasi, nezvinhu zvipenyu zvose zvinofema kuti chive chokudya chazvo,” zvikabva zvaita saizvozvo.
Avasta Mavambo 1:30
12
Mavambo 1:14
Mwari akati, “Muziendanakuenda romudenga ngamuve namavheneko okusiyanisa masikati nousiku ave okuratidza mwaka namazuva namakore.
Avasta Mavambo 1:14
13
Mavambo 1:11
Mwari akati, “Nyika ngaimere zvinomera zvorudzi norudzi, zvinomera zvine mhodzi dzazvo, namarudzi emiti inobereka michero ine mhodzi panyika,” zvikabva zvaita saizvozvo.
Avasta Mavambo 1:11
14
Mavambo 1:7
Mwari akabva aita ziendanakuenda riya ndokukamuranisa mvura yakanga iri pasi peziendanakuenda iroro neyaiva nechapamusoro paro, zvikabva zvaita saizvozvo.
Avasta Mavambo 1:7
15
Mavambo 1:12
Nyika yakamera zvinomera zvorudzi norudzi, nezvinomera zvine mhodzi dzazvo, namarudzi namarudzi emiti inobereka michero ine mhodzi. Zvikabva zvaita saizvozvo. Mwari akaona kuti zvakanaka.
Avasta Mavambo 1:12
16
Mavambo 1:16
Mwari akaita mazivheneko maviri kunoti, zivheneko guru rokutonga masikati, kozoti zivheneko duku rokutonga usiku, akaitawo nyenyedzi.
Avasta Mavambo 1:16
17
Mavambo 1:9-10
Mwari akati, “Mvura iri pasi pedenga ngaiungane pamwechete kuti pasi pakaoma pabude pachena,” zvikabva zvaita saizvozvo. Mwari akatumidza pasi pakaoma kuti nyika. Mvura iya yakanga yaungana akaitumidza kuti makungwa. Mwari akaona kuti zvakanaka.
Avasta Mavambo 1:9-10
18
Mavambo 1:22
Mwari akazvikomborera achiti, “Berekanai muwande muzadze mvura yomumakungwa. Shiri ngadziwandewo panyika.”
Avasta Mavambo 1:22
19
Mavambo 1:24
Mwari akati, “Nyika ngaiburitse mhando nemhando dzezvinhu zvipenyu, mhando nemhando dzezvipfuwo, nedzezvinokambaira nokuzvova napasi, nedzemhuka dzesango,” zvikabva zvaita saizvozvo.
Avasta Mavambo 1:24
20
Mavambo 1:20
Mwari akati, “Mumvura ngamuite bvakapfaka rezvinhu zvipenyu zvinoshambira. Shiriwo ngadzibhururuke pamusoro penyika nomudenga muziendanakuenda.”
Avasta Mavambo 1:20
21
Mavambo 1:25
Mwari akasika mhando nemhando dzemhuka dziri panyika, nemhando dzose dzezvipfuwo nedzezvinokambaira nokuzvova napasi. Mwari akaona kuti zvakanaka.
Avasta Mavambo 1:25
Home
Bible
Plans
Videod