1
Johani 19:30
Bhaibhiri Idzva rechiShona
Jesu paakasveta waini iya inovava akati, “Zvapera.” Akakotamisa musoro ndokubva afa.
Comparar
Explorar Johani 19:30
2
Johani 19:28
Mushure maizvozvi Jesu paakaona kuti zvose zvazadziswa uye kuti Magwaro Matsvene azadziswe akati, “Ndine nyota.”
Explorar Johani 19:28
3
Johani 19:26-27
Jesu paakaona amai vake nomudzidzi wake wapamwoyo akamira pedyo, akati kuna amai vake, “Amai mwana wenyu uyu” Ndokuti kumudzidzi wake, “Amai vako ava.” Kubvira ipapo mudzidzi uya akavatora akavaisa mumusha make.
Explorar Johani 19:26-27
4
Johani 19:33-34
Asi pavakauya kuna Jesu, vakaona kuti atofa havana kumutyora makumbo. Mumwe musoja akamubaya parutivi pake nepfumo, pakabva pabuda ropa nemvura.
Explorar Johani 19:33-34
5
Johani 19:36-37
nokuti zvinhu izvi zvakaitika kuti chinyorwa chitsvene chizadziswe chinoti, “Hapana bvupa rake richatyorwa.” Uyezve chimwe chinoti, “Vachatarisa uyo wavakabaya.”
Explorar Johani 19:36-37
6
Johani 19:17
akabuda akaenda akatakura muchinjikwa wake kunzvimbo inonzi, “Dehenya,” kana kuti, “Gorogota.” MuchiHebheru.
Explorar Johani 19:17
7
Johani 19:2
Masoja akaruka chiremba cheminzwa akachiisa mumusoro make. Akamupfekedza gemenzi roruvara rwohute.
Explorar Johani 19:2
Inicio
Biblia
Planes
Vídeos