Mavambo 49:3-4
Mavambo 49:3-4 SCLBD
Rubheni, ndiwe dangwe rangu, chiratidzo chokutanga chesimba rangu, wandakabereka ndichiri kuzvinzwa. Pasimba napakukudzwa ndiwe wapamusoro. Unovhaira semvura iri kuvira, asi hauzovi mukuru nokuti wakapinda iwe mumba mangu, ini baba ukan'oresa pandinorara, uchitoenda zvako pauriri hwangu.