1
Mavambo 9:12-13
Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika
Mwari akati, “Ichi ndicho chiratidzo chechitenderano chandinoita nemi nezvipenyu zvose zvinemi nezvizvarwa zvose zvichauya. Ndamisa muraraungu wangu mumakore kuti uve chiratidzo chechitenderano changu napasi pose.
Compare
Explore Mavambo 9:12-13
2
Mavambo 9:16
Kana muraraungu wamira mumakore, ndichauona ndigoyeuka chitenderano chokugara nokugara chandaita nezvipenyu zvose zviri panyika.”
Explore Mavambo 9:16
3
Mavambo 9:6
Ani naani zvake anodeura ropa romumwe munhu, ropa rakewo rinofanira kutoita zvokudeurwa nomunhu nokuti Mwari akasika munhu akamufananidza naiye pachake.
Explore Mavambo 9:6
4
Mavambo 9:1
Mwari akakomborera Nowa navana vake akati, “Berekanai muwande muzadze nyika.
Explore Mavambo 9:1
5
Mavambo 9:3
Zvinhu zvipenyu zvose zvinofamba zvichava chokudya chenyu. Ndakupai zvose zvazvo sokukupai kwandakaita miriwo minyoro.
Explore Mavambo 9:3
6
Mavambo 9:2
Mhuka dzose dzapasi pose, neshiri dzose dzedenga, nezvose zvinokambaira nokuzvova napasi, nehove dzose dzomugungwa dzichakutyai dzichikudederai. Dzose ndadziisa mumaoko enyu.
Explore Mavambo 9:2
7
Mavambo 9:7
“Asi imi berekanai muwande, muite zararira chairo kuzara panyika, murambe muchiwanda mairi.”
Explore Mavambo 9:7
Home
Bible
Plans
Videos