1
Mavambo 37:5
Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika
Rimwe zuva Josefi akarota hope dzake. Paakadziudza vakoma vake, vakabva vatonyanya kumuvenga.
Compare
Explore Mavambo 37:5
2
Mavambo 37:3
Isiraeri aida Josefi chaizvo kupfuura vamwe vana vake vose nokuti akazoberekwa ivo vakwegura. Akasonera Josefi hanzu yakanga yakareba, yemaoko marefu.
Explore Mavambo 37:3
3
Mavambo 37:4
Vakoma vake vakazviona kuti baba vavo vaimuda kupfuura vamwe vose, vakamuvenga vakatadzawo kunyatsotauriranawo naye zvakanaka.
Explore Mavambo 37:4
4
Mavambo 37:9
Akazorota zvakare dzimwe hope, ndokuudza vakoma vake achiti, “Ndarotazve dzimwe hope. Ndaona zuva nomwedzi nenyenyedzi gumi neimwe zvichindikotamira.”
Explore Mavambo 37:9
5
Mavambo 37:11
Vakoma vake ndokubva vava kumuitira shanje, asi baba vake vakazvipfundira mumwoyo mavo.
Explore Mavambo 37:11
6
Mavambo 37:6-7
Akati, “Donzwai hope dzangu dzandarota. Tanga tichisunga zvisote zvekoroni mumunda, wanei chisote changu chakanyatsoti twi-i kumira. Zvisote zvenyu zvakomberedza changu zvikabva zvazochikotamira.”
Explore Mavambo 37:6-7
7
Mavambo 37:20
Ngatimuurayei, timukande mune rimwe gomba, tozoti akadyiwa nechikara, tigoona kuti kurota kwake kwacho kuchasvikepi.”
Explore Mavambo 37:20
8
Mavambo 37:28
Kuzoti vashambadzi vorudzi rwevaMidhiani ava vasvikapo, vakoma vake vakakweva Josefi vachimuburitsa mugomba umu, vakabva vamutengesa kuvaIshimaeri ndokupiwa mari yesirivha makumi maviri, vaIshimaeri ava ndokuenda naye kuIjipiti.
Explore Mavambo 37:28
9
Mavambo 37:19
Vakataurirana vachiti, “Heyo shasha iye yokurota yauya.
Explore Mavambo 37:19
10
Mavambo 37:18
Zvino vakoma vake vakamuona achiri kure, asati asvika pedyo navo, vakarangana kuti vamuuraye.
Explore Mavambo 37:18
11
Mavambo 37:22
Rubheni akatizve, “Ngatiregei kudeura ropa. Mukandei zvenyu mugomba iri riri pano murenje muno asi musawane chamunoita kwaari.” Akareva izvozvo achida kununura Josefi mumaoko avo kuti azomudzosera kuna baba vake.
Explore Mavambo 37:22
Home
Bible
Plans
Videos