Genesisi 3
3
Kuwa kwoMunhu
1Zvino nyoka yakanga ina manomano kupfuura mhuka dzose dzakasikwa naJehovha Mwari. Yakati kumukadzi, “Ko, chaizvoizvo Mwari akati, ‘Hamufaniri kudya muti upi zvawo uri mubindu here’?”
2Mukadzi akati kunyoka, “Tingadya hedu michero inobva mumiti iri mubindu, 3asi Mwari akati, ‘Hamufaniri kudya muchero unobva pamuti uri pakati pebindu, uye musaubata kuti murege kufa.’ ”
4Nyoka yakati kumukadzi, “Hamungafi zvirokwazvo. 5Nokuti Mwari anoziva kuti mukaudya meso enyu achasvinudzwa, uye muchaita saMwari mugoziva zvakanaka nezvakaipa.”
6Mukadzi akati aona kuti muchero womuti wakanga wakanaka kuudya uye kuti waifadza meso, uye kuti waidikanwa kuti munhu ave nouchenjeri, akatora mumwe akadya. Akapawo mumwe kumurume wake, uyo akanga anaye, naiye akaudya.
7Ipapo meso avo vose vari vaviri akasvinudzwa, uye vakaziva kuti vakanga vasina kusimira; saka vakasonanidza mashizha omuonde pamwe chete ndokuzvigadzirira nguo.
8Ipapo murume nomukadzi wake vakanzwa inzwi raJehovha Mwari paakanga achifamba mubindu kwotonhorera, vakavanda pamberi paJehovha Mwari, pakati pemiti yomubindu. 9Asi Jehovha Mwari akadana murume akati, “Uripiko?”
10Akapindura akati, “Ndanzwa inzwi renyu mubindu, uye ndatya nokuti ndanga ndisina kusimira; saka ndavanda.”
11Uye iye akati, “Ndiani akuudza kuti hauna kusimira? Wadya kanhi muti wandakakurayira kuti urege kudya?”
12Murume akati, “Mukadzi wamakandipa kuno kuti ave neni, ndiye andipa mumwe muchero womuti, uye ini ndikadya.”
13Ipapo Jehovha Mwari akati kumukadzi, “Chiiko ichi chawaita?” Mukadzi akati, “Nyoka yandinyengera, ndikadya.”
14Saka Jehovha Mwari akati kunyoka, “Nokuti waita izvi,
“Watukwa kupfuura zvipfuwo zvose,
kupfuura mhuka dzose dzesango!
Uchafamba nedumbu rako
uye uchadya guruva
mazuva ose oupenyu hwako.
15Uye ndichaisa ruvengo
pakati pako nomukadzi,
uye pakati porudzi rwako nerwomukadzi;
achapwanya musoro wako,
uye iwe ucharuma chitsitsinho chake.”
16Kumukadzi akati,
“Ndichawedzera kwazvo kurwadziwa kwako mukubereka vana;
uchabereka vana mukurwadziwa.
Kuda kwako kuchava kumurume wako,
uye achava nesimba pamusoro pako.”
17Kuna Adhamu akati, “Nokuti wakateerera kumukadzi wako uye ukadya zvakabva pamuti wandakakurayira ndichiti, ‘Haufaniri kuudya,’
“Ivhu ratukwa nokuda kwako;
mukushanda kunorwadza,
uchadya zvibereko zvaro
mazuva ose oupenyu hwako.
18Richakuberekera minzwa norukato,
uye uchadya miriwo yomusango.
19Neziya rechiso chako
uchadya zvokudya zvako
kusvikira wadzokera kuguruva,
sezvo wakatorwa kwariri;
nokuti uri guruva,
kuguruva uchadzokera.”
20Uye Adhamu akatumidza mukadzi wake kuti Evha, nokuti aizova mai vavapenyu vose.
21Jehovha Mwari akaitira Adhamu nomukadzi wake nguo dzamatehwe uye akavafukidza. 22Uye Jehovha Mwari akati, “Munhu ava somumwe wedu, anoziva zvakanaka nezvakaipa. Haafaniri kutenderwa kutambanudza ruoko rwake kuti atorewo zvinobva pamuti woupenyu uye kuti azvidye, akazorarama nokusingaperi.” 23Saka Jehovha Mwari akamudzinga mubindu reEdheni kuti arime ivhu raakatorwa kwariri. 24Mushure mokunge adzinga munhu, akaisa makerubhi kurutivi rwokumabvazuva kweBindu reEdheni nomunondo unopfuta uye uchivheyeswa mberi neshure kuti urinde nzira inoenda kumuti woupenyu.
Επιλέχθηκαν προς το παρόν:
Genesisi 3: BDSC
Επισημάνσεις
Κοινοποίηση
Αντιγραφή
Θέλετε να αποθηκεύονται οι επισημάνσεις σας σε όλες τις συσκευές σας; Εγγραφείτε ή συνδεθείτε
Shona Contemporary Bible
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.®
Used by permission. All rights reserved worldwide.
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.®
Mvumo yokushandisa ndima yakapiwa. Kodzero dzose dziripo.