1
Ruka 9:23
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
Ipapo akati kwavari vose, “Kana munhu achida kunditevera, anofanira kuzviramba atore muchinjikwa wake zuva rimwe nerimwe agonditevera.
Vergleichen
Studiere Ruka 9:23
2
Ruka 9:24
Nokuti ani naani anoda kuponesa upenyu hwake acharasikirwa nahwo, asi ani naani anorasikirwa noupenyu hwake nokuda kwangu achahuponesa.
Studiere Ruka 9:24
3
Ruka 9:62
Jesu akapindura akati, “Hakuna munhu anoti kana akaisa ruoko rwake pagejo akacheuka angafanirwa nokushumira muumambo hwaMwari.”
Studiere Ruka 9:62
4
Ruka 9:25
Ko, munhu achabatsirwei kana akawana nyika yose, asi agorasikirwa noupenyu hwake.
Studiere Ruka 9:25
5
Ruka 9:26
Kana munhu akanyara pamusoro pangu namashoko angu, Mwanakomana woMunhu achanyarawo pamusoro pake paanouya mukubwinya nomukubwinya kwaBaba nokwavatumwa vatsvene.
Studiere Ruka 9:26
6
Ruka 9:58
Jesu akapindura akati, “Makava ane mwena yawo uye shiri dzedenga dzine matendere adzo, asi Mwanakomana woMunhu haana paangatsamidza musoro wake.”
Studiere Ruka 9:58
7
Ruka 9:48
Ipapo akati kwavari, “Ani naani anogamuchira mwana muduku uyu muzita rangu anondigamuchira; uye ani naani anondigamuchira, anogamuchira uyo akandituma. Nokuti muduku pakati penyu mose ndiye mukuru.”
Studiere Ruka 9:48
Home
Bibel
Lesepläne
Videos