1
Ruka 6:38
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
Ipai, uye nemi muchapiwa. Muchapiwa mumaoko enyu chiyero chakanaka, chakatsindirwa, chakazunguzirwa uye chinopfachukira. Nokuti nechiyero chamunoyera nacho, muchayererwawo nacho.”
Vergleichen
Studiere Ruka 6:38
2
Ruka 6:45
Munhu akanaka anobudisa zvinhu zvakanaka zvakachengetwa mumwoyo make.
Studiere Ruka 6:45
3
Ruka 6:35
Asi idai vavengi venyu, muite zvakanaka kwavari, uye muvakweretese musingatarisiri kuwana kana chinhuzve. Ipapo mubayiro wenyu uchava mukuru, uye muchava vanakomana veWokumusoro-soro, nokuti iye ano mwoyo munyoro kuna vasingavongi navakaipa.
Studiere Ruka 6:35
4
Ruka 6:36
Ivai netsitsi sababa venyu vane tsitsi.
Studiere Ruka 6:36
5
Ruka 6:37
“Musatonga, uye nemi hamuzotongwi. Musapa mhosva, uye nemi hamuzopiwi mhosva. Regererai, uye nemi muchazoregererwawo.
Studiere Ruka 6:37
6
Ruka 6:27-28
“Asi ndinokuudzai imi munondinzwa kuti: Idai vavengi venyu, itai zvakanaka kuna avo vanokuvengai, ropafadzai vanokutukai, nyengetererai vaya vanokunetsai.
Studiere Ruka 6:27-28
7
Ruka 6:31
Itira vamwe zvaunoda kuti vakuitirewo iwe.
Studiere Ruka 6:31
8
Ruka 6:29-30
Kana mumwe akakurova rimwe dama, mupezve rimwe racho. Kana mumwe akakutorera nguo yako yokunze, usamudzivisa kutorawo nguo yomukati. Upe vose vanokukumbira, uye kana ani zvake akatora chinhu chako, usagombedzera kuti chidzoke.
Studiere Ruka 6:29-30
9
Ruka 6:43
“Hakuna muti wakanaka unobereka muchero wakaipa, uye muti wakaipa haungabereki muchero wakanaka.
Studiere Ruka 6:43
10
Ruka 6:44
Muti mumwe nomumwe unozivikanwa nomuchero wawo. Vanhu havangatanhi maonde kubva mumakwenzi eminzwa, kana kutanha mazambiringa kubva parukato.
Studiere Ruka 6:44
Home
Bibel
Lesepläne
Videos