1
Mavambo 32:28
Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika
Murume uyu ndokuti, “Zita rako harichanzi Jakobho, rava kunzi Isiraeri nokuti wakakwikwidzana naMwari navanhu ukakunda.”
Vergleichen
Studiere Mavambo 32:28
2
Mavambo 32:26
Murume uyu ndokuti, “Chindirega ndiende! Utonga hwatsvuka!” Asi Jakobho akati, “Handikurege uchienda kunze kwokunge wandikomborera!”
Studiere Mavambo 32:26
3
Mavambo 32:24
Jakobho ndokusarako oga. Mumwe murume akaita tsimba naye kusvikira utonga hwabuda.
Studiere Mavambo 32:24
4
Mavambo 32:30
Jakobho ndokubva apatumidza zita rokuti Penueri achiti, “Ndaonana naMwari uso nouso, asi ndaramba ndiri mupenyu!”
Studiere Mavambo 32:30
5
Mavambo 32:25
Murume uyu paakaona kuti atadza kukurira Jakobho akamurova nechepahudyu, hudyu yake ikasvodogoka.
Studiere Mavambo 32:25
6
Mavambo 32:27
Murume uyu akati, “Zita rako ndiani?” Iye ndokuti, “Ndinonzi Jakobho!”
Studiere Mavambo 32:27
7
Mavambo 32:29
Jakobho akamubvunza achiti, “Iwe ndiudzeiwo zita rako.” Iye akati, “Unondibvunzireiko zita rangu?” Akamukomborera ipapo.
Studiere Mavambo 32:29
8
Mavambo 32:10
Ini handikodzeri kuwana kunyange kai zvako kwomwoyochena wenyu, nokutendeseka kwenyu kwamakandiitira, ini muranda wenyu nokuti pandakayambuka Jorodhani urwu ndaingova iyeni ndoga netsvimbo yangu. Asi nhasi uno ndava namapoka maviri.
Studiere Mavambo 32:10
9
Mavambo 32:32
Ndokusaka nanhasi uno vaIsiraeri vasingadye runda rwepahudyu runogara mumbiya yepfupa rapahudyu, nokuti murume iyeyo akarova Jakobho parunda rwapahudyu.
Studiere Mavambo 32:32
10
Mavambo 32:9
Jakobho ndokuti, “Mwari wavasekuru vangu Abhurahamu, imi Mwari wababa vangu Isaki imi Tenzi ndimi makanditi, ‘Chidzokera zvako kunyika yako, kune hama dzako ndichaita kuti zvinhu zvikufambire zvakanaka.’
Studiere Mavambo 32:9
11
Mavambo 32:11
Ndapota ndinunureiwo mumaoko emukoma wangu Esau. Ndava kutya ini kuti angauye akatiuraya tose akauraya madzimai navana.
Studiere Mavambo 32:11
Home
Bibel
Lesepläne
Videos