1
Mavambo 4:7
Bhaibhiri Idzva rechiShona
Handiti kana ukaita zvakanaka unogamuchirwawo here? Asi nokuti hauna kuita zvakanaka, chitadzo chakugaririra pamusuo, chichikutsvaka. Asi iwe unofanira kuchikunda, uchitonge.”
Cymharu
Archwiliwch Mavambo 4:7
2
Mavambo 4:26
Seti akabereka mwana mukomana akamutumidza zita rokuti Enoshi. Panguva iyoyo vanhu vakatanga kunamata Tenzi.
Archwiliwch Mavambo 4:26
3
Mavambo 4:9
Mwari akazobvunza Kaini achiti, “Ko munun'una wako, Abhero aripiko?” Kaini akati, “Handizivi. Ko ndini muchengeti womunun'una wangu here?”
Archwiliwch Mavambo 4:9
4
Mavambo 4:10
Mwari akati, “Ko izvozvi uri kuti waiteiko? Ropa romunun'una wako radeukira pasi, riri kuchema kwandiri.
Archwiliwch Mavambo 4:10
5
Mavambo 4:15
Asi Tenzi akati, “Kwete. Ani naani anenge auraya Kaini anotsiviwa kakapetwa kanomwe.” Tenzi akaisa Kaini rupawo kuitira kuti munhu anenge azomuona arege kumuuraya.
Archwiliwch Mavambo 4:15
Gartref
Beibl
Cynlluniau
Fideos