1
Johani 12:26
Shona Bible 1949, revised 2002
Kana munhu achindishumira, ngaanditevere; napandinenge ndiri, nomuranda wangu achavapowo. Kana munhu achindishumira, baba vachamukudza.
Porovnat
Zkoumat Johani 12:26
2
Johani 12:25
Anoda upenyu hwake, acharasikirwa nahwo; noanovenga upenyu hwake panyika ino, achahuchengeta kuupenyu husingaperi.
Zkoumat Johani 12:25
3
Johani 12:24
Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri, kana tsanga yezviyo ikasawira muvhu, ikafa, ichagara iri yoga; asi kana ikafa, inobereka zvibereko zvizhinji.
Zkoumat Johani 12:24
4
Johani 12:46
Ini ndakauya munyika, ndiri chiedza, kuti ani naani anotenda kwandiri arege kugara murima.
Zkoumat Johani 12:46
5
Johani 12:47
Kana munhu achinzwa mashoko angu, akasaachengeta, handimutongi ini, nokuti handina kuuya kuzotonga nyika, asi kuti ndiponese nyika.
Zkoumat Johani 12:47
6
Johani 12:3
Zvino Maria akatora paundi yamafuta enaridho, anomutengo mukuru, akazodza tsoka dzaJesu, akapukuta tsoka dzake nevhudzi rake; imba ikazadzwa nokunhuwira kwamafuta.
Zkoumat Johani 12:3
7
Johani 12:13
vakatora mashizha emichindwi, vakabuda kundomuchingamidza, vakadanidzira, vachiti, “Hosana! Ngaarumbidzwe anouya muzita raIshe, Mambo wavaIsiraeri.”
Zkoumat Johani 12:13
8
Johani 12:23
Jesu akavapindura, akati, “Nguva yasvika, kuti Mwanakomana womunhu akudzwe.
Zkoumat Johani 12:23
Domů
Bible
Plány
Videa