Mabasa 4:9-12
Mabasa 4:9-12 BDSC
kana tadanwa nhasi nokuda kwebasa rakanaka rakaitwa kuchirema uye tichibvunzwa kuti akaporeswa sei, zvino muzive izvi, imi navanhu vose veIsraeri kuti: Zvakaitwa nezita raJesu Kristu weNazareta, iye wamakaroverera pamuchinjikwa asi Mwari akamumutsa kubva kuvakafa, ndiye aita kuti murume uyu amire pamberi penyu apora kudai. Ndiye “ ‘ibwe ramakaramba imi vavaki, rakazova musoro wekona.’ Ruponeso haruwanikwi kuna ani zvake, nokuti hakuna rimwe zita pasi pedenga rakapiwa kuvanhu ratingaponeswa naro.”





