Mapisarema 8:4-8
Mapisarema 8:4-8 BDSC
munhu chiiko zvamunomufunga, kana mwanakomana womunhu zvamune hanya naye? Makamuita muduku zvishoma pana Mwari, uye mukamushongedza korona yokubwinya nokukudzwa. Makamuita mutongi pamusoro pebasa ramaoko enyu; mukaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake: makwai ose nemombe, nemhuka dzesango, neshiri dzedenga, nehove dzegungwa, zvose zvinofamba munzira dzomugungwa.