Mapisarema 119:113-128
Mapisarema 119:113-128 BDSC
Ndinovenga vanhu vane mwoyo miviri, asi ndinoda murayiro wenyu. Imi muri utiziro hwangu nenhoo yangu; ndakaisa tariro yangu pashoko renyu. Ibvai kwandiri, imi vaiti vezvakaipa, kuti ndichengete mirayiro yaMwari wangu! Nditsigirei sezvamakavimbisa, ipapo ndichararama; musarega tariro yangu ichidzimwa. Nditsigirei, ipapo ndicharwirwa; ndicharamba ndine hanya nemitemo yenyu. Munoramba vose vanotsauka pamitemo yenyu, nokuti kunyengera kwavo hakuna maturo. Vakaipa vose venyika munovaita sengura; naizvozvo ndinoda zvamakatema. Nyama yangu inodedera nokuda kwokukutyai; ndinomira ndichitya mirayiro yenyu. Ndakaita zvakarurama nokururamisira; musandisiya mumaoko avadzvinyiriri vangu. Itai kuti muranda wenyu agare zvakanaka; musarega vanozvikudza vachimudzvinyirira. Meso angu aneta nokutsvaka ruponeso rwenyu, ndichitsvaga vimbiso yenyu yakarurama. Itirai muranda wenyu zvinoringana norudo rwenyu, uye ndidzidzisei mitemo yenyu. Ndiri muranda wenyu; ndipeiwo kunzvera kuti ndigonzwisisa zvamakatema. Haiwa Jehovha, inguva yenyu yokubata; murayiro wenyu uri kuputswa. Nokuti ndinoda mirayiro yenyu kupfuura goridhe, kupfuura goridhe rakanatswa, uye nokuti ndinoti zvirevo zvenyu zvose zvakarurama, ndinovenga nzira dzose dzakaipa.