Isaya 55:10-13
Isaya 55:10-13 BDSC
Sezvinoita mvura nechando zvinoburuka kubva kudenga, zvisingadzokeriko zvisina kudiridza nyika nokuita kuti ibukire uye ibereke zvakawanda, kuitira kuti iberekere mudyari wembeu, uye ipe chingwa kune anodya, saizvozvo neshoko rangu rinobuda mumuromo mangu: Haringadzokeri kwandiri risina chinhu, asi richaita zvinondifadza, uye richaita zvandakarituma. Muchabuda nomufaro, uye muchafambiswa murugare; makomo nezvikomo zvichapururudza uye zvichaimba rwiyo pamberi penyu, uye miti yose yeminda ichauchira maoko ayo. Pachinzvimbo chomunzwa pachamera muti womupaini, pachinzvimbo chorukato pachamera mumite. Izvi zvichava mukurumbira waJehovha, nechiratidzo chokusingaperi, chisingazoparadzwi.”