2 Samueri 11:2-3
2 Samueri 11:2-3 BDSC
Zvino rimwe zuva madekwana Dhavhidhi akamuka pamubhedha wake akafamba pamusoro pedenga romuzinda. Aripo padenga akaona mukadzi aishamba. Mukadzi uyu akanga akanaka kwazvo, uye Dhavhidhi akatuma munhu kundobvunza nezvomukadzi uyu. Murume akatumwa akati, “Ko, uyu haasi Bhatishebha here mwanasikana waEriamu mukadzi waUria muHiti?”