YouVersion Logo
Search Icon

Mavambo 6:1-4

Mavambo 6:1-4 SCLBD

Vanhu pavakatanga kuwanda panyika, vakabereka vana vasikana. Vanakomana vaMwari vakaona kuti vasikana ivavo vakanga vakanaka, vakasarudza zvavo vakadzi vavakada, vakavaroora. Tenzi akati, “Handichabvumiri kuti mweya wangu uri mumunhu ugare maari nokusingaperi nokuti munhu ndowenyama, anofa. Saka haachagara panyika nguva inodarika zana ramakore rina makore makumi maviri.” Mazuva iwayo namazuva akatevera, panyika paiva nemazihofori chaiwo avanhu vakareba vakaberekwa navanakomana vaMwari pavakatorana navanasikana vavanhu. Vana vacho ndivo magamba aye makuru akarekare aiva nomukurumbira.