Ezira 1:2-3
Ezira 1:2-3 SCLBD
“Zvanzi naSairosi mambo wePezhiya, Tenzi, Mwari Wedenga akandipa umambo hwenyika dzose dzapasi pano uye akandipawo basa rokuti ndimuvakire imba kuJerusaremu kwaJudha. Ani naani pakati penyu anenge ari wevanhu vake, Mwari wake ngaave naye akwire kuJerusaremu guta riri kwaJudha andovakazve imba yaTenzi, Mwari weIsiraeri. Iyeyo ndiye Mwari ari muJerusaremu.