ƲaRoma 16:25-27
ƲaRoma 16:25-27 SUB1949
Ɀino iye, unogona kukusimbisai, seɀinoreʋa Evaŋgeri yaŋgu, nokuparidzwa kwaJesu Kristu, nokuzarurwa kweɀakaʋanzika, ɀisina‐kurebga ŋguʋa dzisiŋgaperi, asi ɀino ɀinoratidzwa nokuziʋiswa kumarudzi ose, naMagwaro aʋaprofita, seɀakarairwa naMŋari usiŋgaperi, kuti ʋaterere nokutenda; iye Mŋari wakacenjera oga, ŋgaaʋe nokubginya naJesu Kristu nokusiŋgaperi. Ameni.