II Petro 2:21-22
II Petro 2:21-22 SUB1949
Nokuti ɀaiʋa nani kwaʋari kana ʋasaiziʋa nzira yokururama, pakuti ʋadzoke pamurairo mutȿene waʋakapiwa, waʋakaŋga ʋambouziʋa haʋo. Ɀinorebga neshumo yaɀokwaɗi ndiɀo ɀakaitwa kwaʋari, ɀinoti: Imbga yakadzokera kumarutsi ayo, neŋguruʋe yakaŋga yashambidzwa, kukuʋumburuka mumatope.