1
Zvakazarurwa 19:7
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
Ngatifarei uye tifarisise uye timurumbidze! Nokuti mutambo wokuwana weGwayana wasvika, uye mwenga waro azvigadzirira.
Compare
Explore Zvakazarurwa 19:7
2
Zvakazarurwa 19:16
Panguo yake napachidya chake ane zita iri rakanyorwa: mambo wamadzimambo naishe wamadzishe
Explore Zvakazarurwa 19:16
3
Zvakazarurwa 19:11
Ndakaona denga razaruka uye ipapo pamberi pangu pakanga pane bhiza jena, mutasvi waro anonzi Akatendeka uye Chokwadi. Nokururamisira anotonga uye anorwa hondo.
Explore Zvakazarurwa 19:11
4
Zvakazarurwa 19:12-13
Meso ake akaita somurazvo womoto, uye pamusoro wake pane korona zhinji. Ane zita rakanyorwa paari risingazivikanwi nomunhu asi naiye oga. Akapfeka nguo dzakanyikwa muropa, uye zita rake ndiye Shoko raMwari.
Explore Zvakazarurwa 19:12-13
5
Zvakazarurwa 19:15
Mumuromo make munobuda munondo unopinza waanouraya nawo ndudzi. “Achavatonga netsvimbo yesimbi.” Anotsika chisviniro chewaini yokutsamwa kwehasha dzaMwari Wamasimba Ose.
Explore Zvakazarurwa 19:15
6
Zvakazarurwa 19:20
Asi chikara chakabatwa, pamwe chete nomuprofita wenhema akanga aita zviratidzo pachinzvimbo chacho. Nezviratidzo izvi akanga atsausa avo vakanga vagamuchira mucherechedzo wechikara uye vanamata mufananidzo wacho. Vaviri ava vakakandwa mudziva romoto unopfuta nesafuri vari vapenyu.
Explore Zvakazarurwa 19:20
Home
Bible
Plans
Videos