1
Mateo 14:30-31
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
Asi akati achiona mhepo ine simba, akatya, ndokubva atanga kunyura, achibva adanidzira achiti, “Ishe, ndiponesei!” Pakarepo Jesu akatambanudza ruoko rwake akamubata, uye akati kwaari, “Iwe wokutenda kuduku, sei wakahadzika?”
Compare
Explore Mateo 14:30-31
2
Mateo 14:30
Asi akati achiona mhepo ine simba, akatya, ndokubva atanga kunyura, achibva adanidzira achiti, “Ishe, ndiponesei!”
Explore Mateo 14:30
3
Mateo 14:27
Asi pakarepo Jesu akati kwavari, “Musatya, ndini!”
Explore Mateo 14:27
4
Mateo 14:28-29
Petro akapindura akati, “Ishe, kana murimi ndirayirei kuti ndiuye kwamuri ndichifamba pamusoro pemvura.” Iye akati, “Uya.” Ipapo Petro akabuda mugwa akafamba pamusoro pemvura akananga kuna Jesu.
Explore Mateo 14:28-29
5
Mateo 14:33
Ipapo vaya vaiva mugwa vakamunamata vachiti, “Chokwadi muri Mwanakomana waMwari.”
Explore Mateo 14:33
6
Mateo 14:16-17
Jesu akapindura achiti, “Havafaniri kuenda. Imi vapei chavangadye.” Ivo vakapindura vakati, “Pano tinongova nezvingwa zvishanu nehove mbiri.”
Explore Mateo 14:16-17
7
Mateo 14:18-19
Akati, “Uyai nazvo kuno kwandiri.” Uye akarayira kuti vanhu vagare pasi pauswa. Akatora zvingwa zvishanu nehove dziya mbiri akatarira kudenga akavonga, akazviropafadza uye akazvimedura. Ipapo akazvipa kuvadzidzi, vadzidzi vakapa vanhu.
Explore Mateo 14:18-19
8
Mateo 14:20
Vose vakadya vakaguta, uye vadzidzi vakaunganidza zvimedu zvainge zvasara zvikazadza matengu gumi namaviri.
Explore Mateo 14:20
Home
Bible
Plans
Videos