1
Jakobho 1:2-3
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
Hama dzangu, muti mufaro chaiwo, pose pamunosangana nemiedzo mizhinji yemhando dzose, nokuti munoziva kuti kuedzwa kwokutenda kwenyu kunobereka kutsungirira.
Compare
Explore Jakobho 1:2-3
2
Jakobho 1:5
Kana mumwe wenyu achishayiwa uchenjeri, ngaakumbire kuna Mwari, anopa zvakawanda kuna vose asingatsvaki mhosva, uye achapiwa hake.
Explore Jakobho 1:5
3
Jakobho 1:19
Hama dzangu dzinodikanwa, cherechedzai izvi: Munhu mumwe nomumwe anofanira kukurumidza kunzwa, kunonoka kutaura nokunonoka kutsamwa
Explore Jakobho 1:19
4
Jakobho 1:4
Kutsungirira kunofanira kupedza basa rako kuitira kuti imi mukure uye muve vakakwana, musingashayiwi chinhu.
Explore Jakobho 1:4
5
Jakobho 1:22
Musangova vanzwi veshoko bedzi, uye nokudaro muchizvinyengera. Itai zvarinoreva.
Explore Jakobho 1:22
6
Jakobho 1:12
Akaropafadzwa munhu anotsunga pakuedzwa, nokuti paanokunda, achapiwa korona youpenyu yakavimbiswa naMwari kuna avo vanomuda.
Explore Jakobho 1:12
7
Jakobho 1:17
Chipo chose chakanaka uye chakakwana chinobva kumusoro kudenga, chinoburuka chichibva kuna Baba wezviedza zvokudenga, asingashanduki semimvuri inopinduka.
Explore Jakobho 1:17
8
Jakobho 1:23-24
Ani naani anoteerera kushoko asi asingaiti zvarinoreva akaita somunhu anotarira chiso chake muchionioni uye, mushure mokuzvitarira, anoenda uye nokukurumidza anokanganwa kuti anoratidzika sei.
Explore Jakobho 1:23-24
9
Jakobho 1:27
Kunamata kunodikanwa naMwari Baba vedu kwakachena, uye kusina chakungapomerwa ndokuku: kuchengeta nherera nechirikadzi mukutambudzika kwavo uye nokuzvichengeta kuti urege kusvibiswa nenyika.
Explore Jakobho 1:27
10
Jakobho 1:13-14
Pamunenge muchiedzwa, ngakurege kuva nomunhu anoti, “Mwari ari kundiedza.” Nokuti Mwari haagoni kuedzwa nechakaipa, uye haaedzi munhu; asi mumwe nomumwe anoedzwa paanenge achikwevewa nokuchiva kwake kwakaipa uye achinyengerwa.
Explore Jakobho 1:13-14
11
Jakobho 1:9
Hama iri panzvimbo yokuninipiswa ngaifare muchinzvimbo chayo chokukudzwa.
Explore Jakobho 1:9
Home
Bible
Plans
Videos