1
Isaya 1:18
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
“Chiuyai zvino titaurirane,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Kunyange zvivi zvenyu zviri zvitsvuku zvichachena sechando; kunyange zviri zvishava somuti mushava, zvichaita samakushe amakwai.
Compare
Explore Isaya 1:18
2
Isaya 1:19
Kana muchida uye muchiteerera muchadya zvakanakisa zvenyika
Explore Isaya 1:19
3
Isaya 1:17
dzidzai kuita zvakarurama. Tsvakai kururamisira, kurudzirai vakamanikidzwa. Dzivirirai nherera, mukumbirire chirikadzi.
Explore Isaya 1:17
4
Isaya 1:20
asi kana muchiramba uye muchindimukira, muchaparadzwa nomunondo.” Nokuti muromo waJehovha wazvitaura.
Explore Isaya 1:20
5
Isaya 1:16
shambai muzvinatse. Bvisai mabasa enyu akaipa pamberi pangu! Regai kuita zvakaipa
Explore Isaya 1:16
6
Isaya 1:15
Pamunotambanudza maoko enyu muchinyengetera, ini ndichakuvanzirai chiso changu; kunyange mukawanza munyengetero, handisi kuzokunzwai. Maoko enyu azere neropa
Explore Isaya 1:15
7
Isaya 1:13
Regai kuuya nezvipiriso zvisina maturo! Zvinonhuhwira zvenyu zvinondinyangadza. Nguva dzoKugara kwoMwedzi, maSabata nenguva dzekokorodzano, handigoni kufarira ungano dzenyu dzakaipa.
Explore Isaya 1:13
8
Isaya 1:3
Nzombe inoziva vatenzi vayo, nembongoro inoziva chidyiro chomwene wayo, asi Israeri haizivi, vanhu vangu havanzwisisi.”
Explore Isaya 1:3
9
Isaya 1:14
Mitambo yenyu yoKugara kwoMwedzi nemitambo yenyu yakatsaurwa inovengwa nomweya wangu. Zvava mutoro kwandiri; ndaneta nokuzvitakura.
Explore Isaya 1:14
Home
Bible
Plans
Videos