1
VaHebheru 9:28
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
saizvozvowo Kristu akabayirwa kamwe chete kuti atakure zvivi zvavanhu vazhinji; uye achazoonekwa kechipiri, asingatakuri zvivi, asi kuti auyise ruponeso kuna avo vakamumirira.
Compare
Explore VaHebheru 9:28
2
VaHebheru 9:14
Ko, kuzoti zvino iro ropa raKristu, uyo kubudikidza noMweya unogara nokusingaperi, akazvipa, asina chaangapomerwa kuna Mwari, akachenesa hana dzedu kubva pamabasa ose anotungamirira kurufu, kuitira kuti tigoshumira Mwari Mupenyu!
Explore VaHebheru 9:14
3
VaHebheru 9:27
Sezvo munhu akatemerwa kufa kamwe chete uye shure kwaizvozvo agotongwa
Explore VaHebheru 9:27
4
VaHebheru 9:22
Zvirokwazvo, murayiro unoda kuti zvinhu zvinenge zvose zvinatswe neropa, uye pasina kuteurwa kweropa hapana kuregererwa.
Explore VaHebheru 9:22
5
VaHebheru 9:15
Nokuda kwaizvozvi Kristu ndiye murevereri wesungano itsva, kuitira kuti vaya vakadanwa vagogamuchira chipikirwa chenhaka isingaperi zvino, sezvo akafa sedzikinuro kuti avasunungure kubva pazvivi zvavakaita vari pasi pesungano yokutanga.
Explore VaHebheru 9:15
Home
Bible
Plans
Videos