1
VaEfeso 6:12
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
Nokuti hatirwi nenyama neropa, asi navabati, navanesimba, namasimba enyika ino yerima uye namasimba emweya yakaipa ari muchadenga.
Compare
Explore VaEfeso 6:12
2
VaEfeso 6:18
Uye munyengetere muMweya nguva dzose nemhando dzose dzeminyengetero nemikumbiro. Muine izvi mupfungwa dzenyu, murinde uye murambe muchinyengeterera vatsvene.
Explore VaEfeso 6:18
3
VaEfeso 6:11
Shongai nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMwari kuti mugogona kumira muchirwa namano adhiabhori.
Explore VaEfeso 6:11
4
VaEfeso 6:13
Naizvozvo shongai nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMwari, kuti panosvika zuva rakaipa, mugokwanisa kumira, uye mushure mokunge maita zvinhu zvose, kuti mumire.
Explore VaEfeso 6:13
5
VaEfeso 6:16-17
Pamusoro paizvozvi zvose, torai nhoo yokutenda, iyo yamunogona kudzima nayo miseve inopfuta yowakaipa. Torai nguwani yoruponeso nomunondo womweya, iro shoko raMwari.
Explore VaEfeso 6:16-17
6
VaEfeso 6:14-15
Zvino mirai nesimba, makasunga bhanhire rechokwadi muchiuno chenyu, nechidzitiro chechipfuva chokururama, uye tsoka dzenyu dzakashongedzwa negadziriro inobva pavhangeri rorugare.
Explore VaEfeso 6:14-15
7
VaEfeso 6:10
Pakupedzisira, ivai nesimba muna She nomusimba rake guru.
Explore VaEfeso 6:10
8
VaEfeso 6:2-3
“Kudza baba namai vako,” ndiwo murayiro wokutanga une chipikirwa, “kuti uitirwe zvakanaka uye kuti ugare upenyu hurefu panyika.”
Explore VaEfeso 6:2-3
9
VaEfeso 6:1
Vana, teererai vabereki venyu muna She, nokuti ndizvo zvakanaka.
Explore VaEfeso 6:1
YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy
Home
Bible
Plans
Videos