ndudzi dzavanhu dzisingaverengeki
dzichauyako dzichiti,
“Uyai tikwire kugomo raTenzi,
kuTemberi yaMwari waJakobho
atidzidzise nzira dzake
kuti tigofamba mumakwara ake.”
Ndinodaro nokuti muGomo reZioni
ndimo munobva mutemo
uye shoko raTenzi rinobva muJerusaremu.