1
VaHebheru 11:1-2
Bhaibhiri Idzva rechiShona
Chitendero chine chivimbo chezvinhu zvinotarisirwa uye chine chokwadi chezvinhu zvisingaoneki Nokuti nechitendero vanhu vakare vakanzi naMwari vanhu kwavo.
Compare
Explore VaHebheru 11:1-2
2
VaHebheru 11:6
Pasina chitendero hazvikwanisiki kumufadza nokuti munhu wose anouya anofanira kudavira kuti Mwari ariko uye kuti Mwari anopa mubayiro kune anomutsvaka.
Explore VaHebheru 11:6
3
VaHebheru 11:3
Pamusana pechitendero tinonzwisisa kuti nyika yakasikwa nezwi raMwari zvokuti zvinooneka zvakaitwa zvichibva mune zvisingaoneki.
Explore VaHebheru 11:3
4
VaHebheru 11:8-9
Pamusana pechitendero Abhurahamu akateerera paakadaidzwa kuti aende kunzvimbo yaainzi anozogamuchira senhaka. Pamusana pechitendero akabuda achienda kwaakanga asingazivi akagara munyika yechipikirwa somunhu anogara munyika isiri yake achigara mumatendhe naIsaki naJakobho, vagari venhaka pamwechete naye vechipikirwa chimwechetecho.
Explore VaHebheru 11:8-9
5
VaHebheru 11:7
Pamusana pechitendero, Nowa paakayambirwa naMwari nezvezvinhu zvakanga zvisati zvaoneka, akatirimuka akavaka ngarava kuti aponese mhuri yake. Naizvozvi akapa nyika mhosva. Akava mugari wenhaka yoururami inouya pamusana pechitendero.
Explore VaHebheru 11:7
6
VaHebheru 11:5
Pamusana pechitendero Enoki akatorwa achiendeswa kudenga nokuti Mwari akanga amutora nokuti asati atorwa akanga apupurirwa kuti akafadza Mwari.
Explore VaHebheru 11:5
7
VaHebheru 11:4
Pamusana pechitendero Abhero akapira kuna Mwari chibayiro chinogamuchirika kupinda Kaini chakaita kuti anzi munhu akarurama Mwari achipupurira izvozvo nokugamuchira zvipo zvake. Akafa zvake asi nechitendero chake achiri kungotaura.
Explore VaHebheru 11:4
8
VaHebheru 11:11
Pamusana pechitendero Sara pachake akagamuchira simba rokubata pamuviri kunyange akanga apfuura pazera rokubereka nokuti akati iye akanga avatsidzira akatendeka.
Explore VaHebheru 11:11
9
VaHebheru 11:10
Chikonzero ndechokuti aitarisira guta rine ugaro hwakasimba rakavakwa naMwari rakarongwa noumhizha hwake.
Explore VaHebheru 11:10
10
VaHebheru 11:24-27
Pamusana pechitendero Mosesi paakanga akura akaramba kunzi mwanakomana womukunda waFarao. Akatosarudza kuitirwa zvakaipa pamwechete navanhu vaMwari panze pokunakidzwa namafaro echitadzo. Akafunga kuti kuzvidzirwa Kristu upfumi hukuru kupinda upfumi hweIjipiti nokuti mwoyo wake wakanga uri kumubayiro. Pamusana pechitendero akasiya Ijipiti asingatyi hasha dzamambo achiita somunhu ari kuona iye Asingaoneki.
Explore VaHebheru 11:24-27
11
VaHebheru 11:17
Pamusana pechitendero Abhurahamu paakaedzwa akapira Isaki; nezvo munhu akanga atsidzirwa akanga oda kupira mwanakomana wake mumwechete oga
Explore VaHebheru 11:17
12
VaHebheru 11:31
Pamusana pechitendero Rahabhu haana kuparara pamwepo navakanga vasingateereri nokuti akanga agamuchira zvakanaka vasori vaya.
Explore VaHebheru 11:31
13
VaHebheru 11:29
Pamusana porudaviro vanhu vakayambuka Gungwa Dzvuku sokunge vari pasi pakaoma asi vaIjipiti pavakaedza kuita zvimwechetezvo vakanyura.
Explore VaHebheru 11:29
14
VaHebheru 11:30
Pamusana pechitendero rusvingo rweJeriko rwakaputsikira pasi mushure mokuritenderera mazuva manomwe.
Explore VaHebheru 11:30
15
VaHebheru 11:28
Pamusana porudaviro akachengeta Pasika akasasa ropa kuitira kuti muparadzi wamatangwe arege kumbovabata–bata.
Explore VaHebheru 11:28
16
VaHebheru 11:22
Pamusana pechitendero Josefi, pakuguma koupenyu hwake akataura nezvekubuda kwavaIsiraeri akavaraira nezvamapfupa ake.
Explore VaHebheru 11:22
17
VaHebheru 11:21
Pamusana pechitendero, Jakobho paakanga ava kufa akakomborera vana vaJosefi vose vari vaviri akakotamira pamusoro petsvimbo yake achinamata.
Explore VaHebheru 11:21
18
VaHebheru 11:20
Nechitendero Isaki akakumbirira Jakobho naEsau zvikomborero mune ramangwana.
Explore VaHebheru 11:20
Home
Bible
Plans
Videos