1
1 Timoti 6:12
Bhaibhiri Idzva rechiShona
Rwira chitendero zvakanaka uve noupenyu husingaperi hwawakadanirwa pawakapupura zvakanaka pamberi pezvapupu zvizhinji.
Compare
Explore 1 Timoti 6:12
2
1 Timoti 6:10
nokuti kudisisa mari ndiwo mudzi wouipi hwose. Pamusana pokukara mari ikoko vamwe vakazosiya chitendero zvikazovarwadza mumwoyo zvikuru.
Explore 1 Timoti 6:10
3
1 Timoti 6:6
Hongu kuitira Mwari kunopfumisa ndokunge munhu achigutsikana nezvaanazvo
Explore 1 Timoti 6:6
4
1 Timoti 6:7
nokuti hatina kuuya nechinhu panyika uyewo hatikwanisi kubva nechinhu panyika
Explore 1 Timoti 6:7
5
1 Timoti 6:17
Vapfumi vapasi pano, vataurire kuti varege kuzvitutumadza kana kuvimba noupfumi husina paho. Asi ngavavimbe naMwari anotifashurira zvose zvinotifadza.
Explore 1 Timoti 6:17
6
1 Timoti 6:9
Asi avo vana kamwoyo kokuda kupfuma vanopinda muchiedzo nomuriva uye mukuda zvinhu zvisina maturo zvinotokuvadza zvinoisawo vazhinji mukupera basa nokuparadzwa
Explore 1 Timoti 6:9
7
1 Timoti 6:18-19
Vanofanira kuita zvakanaka vavevo vapfumi mumabasa akanaka vanopa vachida vavewo vanamupanegombe vasingapi vachikonyodza. Saizvozvo vachazvivakira ugaro hwakanaka hweramangwana ravo vachizozviwanira upenyu ihwohwo hwezvirokwazvo.
Explore 1 Timoti 6:18-19
Home
Bible
Plans
Videos